Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaKorose 1:25-29

VaKorose 1:25-29 BDSC

Ini ndava muranda wayo nokutumwa kwandakaitwa naMwari kuti ndiise kwamuri shoko raMwari nokuzara kwaro, chakavanzika chakanga chakavigwa kubvira kare uye kumarudzi namarudzi, asi zvino zvakazarurirwa vatsvene. Kwavari, Mwari akasarudza kuti azivise pakati pavaHedheni, pfuma inobwinya yechakavanzika ichi, iye Kristu mamuri, tariro yokubwinya. Tinomuparidza, tichirayira uye tichidzidzisa munhu wose nouchenjeri hwose, kuitira kuti tisvitse munhu wose akakwana muna Kristu. Nokuda kwaizvozvi, ndinoshanda nesimba, ndichirwisa nesimba rake rose, rinoshanda zvikuru mandiri.