Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Amosi 5:22-25

Amosi 5:22-25 BDSC

Kunyange mukandivigira zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, handingazvigamuchiri. Kunyange mukandivigira zvipiriso zvakaisvonaka zvokuwadzana, handingavi nehanya nazvo. Ibvai pamberi pangu noruzha rwenziyo dzenyu! Handidi kunzwa kurira kwembira dzenyu. Asi kururamisira ngakuyerere sorwizi, kururama sorukova rusingapwi! “Makandivigira zvibayiro nezvipiriso makore makumi mana muri murenje here, nhai imba yaIsraeri?