munovenga anorayira padare uye munozvidza anotaura chokwadi. Munotsika pamusoro pomurombo muchimumanikidza kuti akupei zviyo. Naizvozvo, kunyange makavaka dzimba huru dzamabwe, hamungagari madziri; kunyange makasima minda yakasvibira yemizambiringa, hamunganwi waini yayo. Nokuti ndinoziva kuwanda kwemhosva dzenyu nokukura kwakaita zvivi zvenyu. Munodzvinyirira vakarurama uye munotora fufuro, uye munoshayisa varombo kururamisirwa pamatare. Naizvozvo munhu akangwara anonyarara panguva dzakadai, nokuti inguva dzakaipa. Tsvakai zvakanaka, kwete zvakaipa, kuti murarame. Ipapo Jehovha Mwari Wamasimba Ose achava nemi, sezvamunoti ndizvo zvaari. Vengai zvakaipa, mude zvakanaka; chengetedzai kururamisira mumatare. Zvichida Jehovha Mwari Wamasimba Ose achanzwira tsitsi vakasara vaJosefa.
Verenga chikamu Amosi 5
Terera ku Amosi 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Amosi 5:10-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo