Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Amosi 4:6-9

Amosi 4:6-9 BDSC

“Ndakakupai matumbu asina chinhu mumaguta makuru ose uye ndikakushayisai chingwa mumaguta maduku ose, kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndakamisawo mvura kuti isanaya kwasara mwedzi mitatu kuti mukohwe. Ndakatumira mvura kuguta rimwe chete ndikasanayisa kune rimwe. Mumwe munda wakawana mvura mumwe wakashayiwa uye ukaoma. Vanhu vakadzedzereka vachibva kune rimwe guta vachienda kune rimwe kundotsvaka mvura, asi havana kuwana yaivaringana kuti vanwe, kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kakawanda kwazvo ndakarova mapindu neminda yenyu yemizambiringa, ndakairova nechirwere nokuvhuvha. Mhashu dzakaparadza mionde nemiti yenyu yemiorivhi, kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.