Zvino kwechinguva mumwe murume ainzi Simoni akanga aita unʼanga muguta uye akashamisa vanhu vose veSamaria. Aizvirumbidza achiti iye akanga ari munhu mukuru, uye vanhu vose kubva kuna vakakwirira kusvikira kuna vari pasi pasi, vaimuteerera vachiti, “Munhu uyu ndiye simba guru raMwari.” Vaimutevera nokuti akanga avashamisa kwenguva refu namashiripiti ake. Asi vakati vatenda Firipi sezvo aiparidza vhangeri roumambo hwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa, vose varume navakadzi. Simoni pachake akatenda uye akabhabhatidzwa. Uye akatevera Firipi kwose kwose, achikatyamadzwa nezviratidzo zvikuru zvaakaona. Vapostori vaiva muJerusarema vakati vanzwa kuti vaSamaria vagamuchira shoko raMwari, vakatumira Petro naJohani kwavari. Vakati vasvika, vakavanyengeterera kuti vagamuchire Mweya Mutsvene, nokuti Mweya Mutsvene akanga asati auya pamusoro paani zvake wavo; vakanga vangobhabhatidzwa muzita raIshe Jesu. Ipapo Petro naJohani vakaisa maoko pamusoro pavo, vakagamuchira Mweya Mutsvene. Simoni akati aona kuti Mweya Mutsvene waipiwa nokuiswa kwamaoko avapostori, akavapa mari akati, “Ndipeiwo simba iri kuti munhu wose wandichaisa maoko pamusoro agamuchire Mweya Mutsvene.” Petro akapindura akati, “Mari yako ngaiparare pamwe chete newe, nokuti wafunga kuti ungatenga chipo chaMwari nemari!
Verenga chikamu Mabasa 8
Terera ku Mabasa 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 8:9-20
13 Mazuva
Ko tingararama sei? Uyu mubvunzo wabvunzwa nevaKristu kwemazana emakore, zvekare uri umwe yeinopindurwa naJesu mudzidziso dzaanopa kuvadzidzi vake. Muchidzidzo chino, unotevera ndima gumi nenhatu dzakakosha matinowana mashoko aJesu kubva kunyaya dzerubhabhatidzo, wanano, kushushikana, zvekare dzevarume nemadzimai. Inzwa dzidziso dzaJesu maringe nezviga zviri panhongonya yechitendero chechikristu.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo