Mumazuva iwayo vadzidzi zvavakanga vachiwedzerwa pauwandu, vaJudha vaitaura chiGiriki vaiva pakati pavo vakagununʼuna pamusoro pavaJudha vaitaura chiHebheru nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa kwezvokudya zvemisi yose. Saka vane gumi navaviri vakaunganidza vadzidzi vose pamwe chete vakati, “Hazvingavi zvakanaka kwatiri kuti tirege ushumiri hweshoko raMwari kuti tishande pamatafura. Hama, sarudzai varume vanomwe pakati penyu vanozivikanwa kuti vakazadzwa noMweya nouchenjeri. Isu tichaisa basa iri kwavari, uye ticharamba tiri pakunyengetera napaushumiri hweshoko.” Shoko iri rakafadza boka rose. Vakasarudza Sitefani, murume akanga azere nokutenda uye noMweya Mutsvene; uyezve Firipi, Pirokorasi, Nikano, Timoni, Pamenasi, naNikorasi aibva kuAndioki, akanga akatendeukira kuchitendero chechiJudha.
Verenga chikamu Mabasa 6
Terera ku Mabasa 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 6:1-5
13 Mazuva
Pakupupura Kristu saIshe, hupenyu hwedu hunovandudzwa nekusingapere - heuno mubvunzo; rutendo urwu tingarudiridzira nenzira ipi? Kubvira kumavambo ekereke yekutanga zvichenda mberi, vatenderi vane hwanzvo hwetsika dzomweya nembiru dzechokwadi dzavanobatirira padziri. Muchidzidzo chino, unotevedza ndima gumi nenhatu dzinogovera tsindidzo dzehupenyu semuteveri waJesu. Zviwanire hwaro hwakasimba hwechitendero mudzidziso dzaKristu, pamwe nedzevaapostora vake.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo