Vatendi vose vakanga vano mwoyo mumwe nendangariro imwe. Hakuna aiti chimwe chezvaaiva nazvo ndechake oga, asi vakagovana zvose zvavakanga vanazvo. Vapostori vakaramba vachipupura nesimba kumuka kwaIshe Jesu, uye nyasha huru dzaiva pamusoro pavo. Pakanga pasina vanoshayiwa pakati pavo. Nokuti nguva nenguva vaya vakanga vane minda kana dzimba vakazvitengesa, vakauyisa mari yezvavakatengesa vakazviisa patsoka dzavapostori, uye yakagoverwa kuna ani zvake sokushayiwa kwake. Josefa, muRevhi aibva kuSaipurasi, uyo akatumidzwa navapostori kunzi Bhanabhasi (kureva kuti Mwanakomana woKukurudzira), akatengesa munda wake akauya nemari akaiisa pamberi pavapostori.
Verenga chikamu Mabasa 4
Terera ku Mabasa 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 4:32-37
13 Mazuva
Achipindura mubvunzo wekuti murairo mukuru pamirairo yese ndeupi, Jesu haakakame - Ida Jehovha Mwari wako, zvekare ude muvakidzani wako sekuda kwaunozviita iwe. Irairo yakareruka, asi rudo rwakadaro runoreva kuti chii mumagariro ezuva rimwe narimwe? Muchidzidzo chino, unotevera ndima gumi nenhatu dzakakosha dzinovhendenyura mwongo werutendo rwedu. Zviwanire nduramo izere nemoyo pachifuva cherudo runogumbatira rwaJesu.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo