Rimwe zuva Petro naJohani vakanga vachikwidza kuenda kutemberi nenguva yokunyengetera, panguva yechitatu yamasikati. Zvino mumwe murume akanga aberekwa ari chirema, aitakurwa achiendeswa pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye aiiswa ipapo mazuva ose kuti apemhe kuna avo vaipinda mutemberi. Akati aona Petro naJohani voda kupinda, akavakumbira mari. Petro akamutarisisa, Johani akadarowo. Ipapo Petro akati kwaari, “Titarise!” Saka murume akavatarira, achifunga kuti achapiwa chinhu navo. Ipapo Petro akati, “Sirivha negoridhe handina, asi chandinacho ndinokupa. Muzita raJesu Kristu weNazareta, simuka ufambe.” Akamubata noruoko rworudyi, akamubatsira kuti asimuke, pakarepo tsoka dzomurume uyu nezviziso zvetsoka dzake zvikasimba. Akakwakuka, akamira, uye akatanga kufamba. Ipapo akapinda navo mutemberi, achifamba uye achisvetuka-svetuka, achirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachimuona achifamba achirumbidza Mwari, vakamuziva kuti ndiye murume uya aisigara achipemha ari pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye vakakatyamara vakashamiswa kwazvo nezvakanga zvaitika kwaari.
Verenga chikamu Mabasa 3
Terera ku Mabasa 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 3:1-10
3 Mazuva
Chitsauko chechitatu chaMabasa chinotiratidza kukura zvine simba kwerutendo muna Jesu. Kubva pakuporeswa kwemurume akaremara kusvika pakuparidza kwaPita tinoona vaapositora, vachisundwa neMweya Mutsvene kuva vashandiri vanobuditsa pachena ukuru hwesimba raMwari. Zvinotisimudzira kuti tibatirire kusimba reruponeso nerudzikinuro rwatakapiwa naKristu, sezvazvakaitwawo kuvanhu veJerusarema.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo