Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 28:7-10

Mabasa 28:7-10 BDSC

Pakanga pano munda waiva pedyo ipapo wakanga uri waPabhuriosi, muchinda mukuru wechitsuwa icho. Akatigamuchira kumba kwake akatichengeta zvakanaka kwamazuva matatu. Baba vake vakanga vachirwara vavete pamubhedha, vachirwadziwa nefivha uye vane manyoka aibudisa ropa. Pauro akapinda kuti andovaona, uye shure kwokunyengetera, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaporesa. Izvi zvakati zvaitika, vairwara vose vomuchitsuwa vakauya vakaporeswa. Vakatikudza nenzira zhinji uye patakanga tagadzirira kukwira chikepe, vakatipa zvinhu zvataida.