Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 28:23-30

Mabasa 28:23-30 BDSC

Vakaronga kuzosanganazve naPauro pane rimwe zuva, uye vakauya kwaakanga ari vari vazhinji kwazvo. Kubvira mangwanani kusvikira madekwana akavatsanangurira uye akavapupurira zvoumambo hwaMwari, uye achiedza kwazvo kuti vatende nezvaJesu kutanga paMurayiro waMozisi kusvikira kuvaprofita. Vamwe vakatendeswa nezvaaireva, asi vamwe havana kutenda. Havana kutenderana pakati pavo ndokubva vatanga kuenda, shure kwokunge Pauro ataura mashoko okupedzisira okuti: “Mweya Mutsvene akataura chokwadi kumadzitateguru enyu paakataura nomuromo waIsaya muprofita achiti: “ ‘Enda kuvanhu ava uti, “Mucharamba muchinzwa asi musingatongonzwisisi; mucharamba muchiona asi musingaonesesi.” Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu; havanzwisisi nenzeve dzavo, uye vakatsinzina meso avo. Zvimwe vangaona nameso avo, vanganzwa nenzeve dzavo, vakanzwisisa nemwoyo yavo, vagotendeuka, ndigovaporesa.’ “Naizvozvo ndinoda kuti muzive kuti ruponeso rwaMwari rwatumirwa kune veDzimwe Ndudzi, uye vachanzwa!” Shure kwokunge ataura izvi, vaJudha vakabva, vachikakavadzana zvikuru pakati pavo. Pauro akagara ikoko kwamakore maviri ose ari muimba yake yaairipira uye aigamuchira vose vaiuya kuzomuona.