Vakaronga kuzosanganazve naPauro pane rimwe zuva, uye vakauya kwaakanga ari vari vazhinji kwazvo. Kubvira mangwanani kusvikira madekwana akavatsanangurira uye akavapupurira zvoumambo hwaMwari, uye achiedza kwazvo kuti vatende nezvaJesu kutanga paMurayiro waMozisi kusvikira kuvaprofita. Vamwe vakatendeswa nezvaaireva, asi vamwe havana kutenda. Havana kutenderana pakati pavo ndokubva vatanga kuenda, shure kwokunge Pauro ataura mashoko okupedzisira okuti: “Mweya Mutsvene akataura chokwadi kumadzitateguru enyu paakataura nomuromo waIsaya muprofita achiti: “ ‘Enda kuvanhu ava uti, “Mucharamba muchinzwa asi musingatongonzwisisi; mucharamba muchiona asi musingaonesesi.” Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu; havanzwisisi nenzeve dzavo, uye vakatsinzina meso avo. Zvimwe vangaona nameso avo, vanganzwa nenzeve dzavo, vakanzwisisa nemwoyo yavo, vagotendeuka, ndigovaporesa.’ “Naizvozvo ndinoda kuti muzive kuti ruponeso rwaMwari rwatumirwa kune veDzimwe Ndudzi, uye vachanzwa!” Shure kwokunge ataura izvi, vaJudha vakabva, vachikakavadzana zvikuru pakati pavo. Pauro akagara ikoko kwamakore maviri ose ari muimba yake yaairipira uye aigamuchira vose vaiuya kuzomuona.
Verenga chikamu Mabasa 28
Terera ku Mabasa 28
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 28:23-30
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo