Mabasa 27:22-26
Mabasa 27:22-26 BDSC
Asi zvino ndinokukurudzirai kuti mutsunge, nokuti hakuna mumwe wenyu acharasikirwa noupenyu hwake; asi chikepe ichi bedzi ndicho chichaparadzwa. Madeko mutumwa waMwari uyo wandiri wake uye wandinoshumira akamira neni akati kwandiri, ‘Usatya, Pauro. Unofanira kutongwa pamberi paKesari; uye nenyasha Mwari akupa upenyu hwavose vanofamba newe muchikepe.’ Saka tsungai mwoyo, varume, nokuti ndino kutenda muna Mwari kuti zvichaitika sezvaakandiudza. Kunyange zvakadaro tichandokandwa hedu pane chimwe chitsuwa.”

