“Nenguva dzinenge dzamasikati pandakanga ndoswedera pedyo neDhamasiko, pakarepo chiedza chakabva kudenga chikandipenyera kumativi ose. Ndakawira pasi ndikanzwa inzwi richiti kwandiri, ‘Sauro! Sauro! Unonditambudzireiko?’ “Ndakati, ‘Ndimi aniko, Ishe?’ “Iye akati, ‘Ndini Jesu weNazareta, wauri kutambudza.’ Shamwari dzangu dzakaona chiedza, asi hadzina kunzwa inzwi raiye akanga achitaura neni. “Ndakabvunza ndikati, ‘Munoda kuti ndiiteiko Ishe?’ “Ishe akati, ‘Simuka, upinde muDhamasiko. Imomo ndimo mauchandoudzwa zvose zvawakatarirwa kuti uite.’
Verenga chikamu Mabasa 22
Terera ku Mabasa 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 22:6-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo