Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 20:24-30

Mabasa 20:24-30 BDSC

Zvisinei hazvo, ini handioni upenyu hwangu sechinhu chinokosha, dai bedzi ndapedza nhangemutange yangu uye ndapedzisa basa randakapiwa naIshe Jesu, basa rokupupura vhangeri renyasha dzaMwari. “Zvino ndinoziva kuti hakuna pakati penyu imi vandakafamba navo ndichiparidza vhangeri roushe achazondionazve. Naizvozvo ndinotaura kwamuri nhasi kuti handina mhosva yeropa ravanhu vose. Nokuti handina kuzeza kukuparidzirai kuda kwose kwaMwari. Zvichenjererei imi pachenyu neboka rose ramakaitwa vatariri varo naMweya Mutsvene. Fudzai kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake pachake. Ndinoziva kuti kana ndabva, mapere achapinda pakati penyu asingaregi boka. Kunyange pakati penyu iyemi vanhu vachamuka vachiminamisa chokwadi vachiitira kuti vatape vadzidzi kuti vavatevere.