“Naizvozvo vaIsraeri vose ngavazive izvi: Jesu uyu, wamakaroverera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.” Vanhu vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo vakati kuna Petro navamwe vapostori, “Hama, tichaiteiko?” Petro akapindura akati, “Tendeukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu, muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi zvenyu, uye mugogamuchira chipo choMweya Mutsvene. Chipikirwa ndechenyu navana venyu navose vari kure, navose vachazodanwa naShe Mwari wedu.” Akavayambira namamwe mashoko mazhinji; uye akavakumbirisa achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakaora.” Avo vakagamuchira shoko rake vakabhabhatidzwa, uye pazuva iro, vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa pauwandu hwavo.
Verenga chikamu Mabasa 2
Terera ku Mabasa 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 2:36-41
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo