Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 2:1-11

Mabasa 2:1-11 BDSC

Zuva rePendekosti rakati rasvika, vakanga vakaungana vose panzvimbo imwe chete. Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga kukazadza imba yose yavakanga vagere. Vakaona zvakanga zvakaita sendimi dzomoto dzakaparadzana uye dzakamhara pamusoro pomumwe nomumwe wavo. Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakatanga kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa noMweya. Zvino muJerusarema maigara vaJudha vaitya Mwari vaibva kundudzi dzose pasi pedenga. Vakati vanzwa kutinhira uyu, vazhinji vakaungana pamwe chete vachishamiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa vachitaura norurimi rwake chairwo. Vakashamiswa kwazvo, vakabvunzana vachiti, “Ko, vanhu ava vose havasi vaGarirea here vari kutaura? Zvino seiko mumwe nomumwe wedu achivanzwa nomutauro waakaberekwa nawo? VaPatio, vaMedhia navaEramu; navanogara kuMesopotamia, Judhea neKapadhokia, Pondasi neEzhia, Firigia nePamufiria, Ijipiti namativi eRibhia pedyo neKureni; vaeni vanobva kuRoma (zvose vaJudha navakatendeukira kuchiJudha); vaKirete navaArabhu, tinovanzwa vachitaura zvishamiso zvaMwari nendimi dzedu chaidzo!”