Zuva rePendekosti rakati rasvika, vakanga vakaungana vose panzvimbo imwe chete. Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga kukazadza imba yose yavakanga vagere. Vakaona zvakanga zvakaita sendimi dzomoto dzakaparadzana uye dzakamhara pamusoro pomumwe nomumwe wavo. Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakatanga kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa noMweya. Zvino muJerusarema maigara vaJudha vaitya Mwari vaibva kundudzi dzose pasi pedenga. Vakati vanzwa kutinhira uyu, vazhinji vakaungana pamwe chete vachishamiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa vachitaura norurimi rwake chairwo. Vakashamiswa kwazvo, vakabvunzana vachiti, “Ko, vanhu ava vose havasi vaGarirea here vari kutaura? Zvino seiko mumwe nomumwe wedu achivanzwa nomutauro waakaberekwa nawo? VaPatio, vaMedhia navaEramu; navanogara kuMesopotamia, Judhea neKapadhokia, Pondasi neEzhia, Firigia nePamufiria, Ijipiti namativi eRibhia pedyo neKureni; vaeni vanobva kuRoma (zvose vaJudha navakatendeukira kuchiJudha); vaKirete navaArabhu, tinovanzwa vachitaura zvishamiso zvaMwari nendimi dzedu chaidzo!”
Verenga chikamu Mabasa 2
Terera ku Mabasa 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 2:1-11
13 Mazuva
Pakupupura Kristu saIshe, hupenyu hwedu hunovandudzwa nekusingapere - heuno mubvunzo; rutendo urwu tingarudiridzira nenzira ipi? Kubvira kumavambo ekereke yekutanga zvichenda mberi, vatenderi vane hwanzvo hwetsika dzomweya nembiru dzechokwadi dzavanobatirira padziri. Muchidzidzo chino, unotevedza ndima gumi nenhatu dzinogovera tsindidzo dzehupenyu semuteveri waJesu. Zviwanire hwaro hwakasimba hwechitendero mudzidziso dzaKristu, pamwe nedzevaapostora vake.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo