Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 14:22-28

Mabasa 14:22-28 BDSC

vachisimbisa vadzidzi nokuvakurudzira kuti varambe vari pakutenda. Vakati, “Tinofanira kutambudzika kuti tipinde muumambo hwaMwari.” Pauro naBhanabhasi vakagadza vatungamiri mukereke imwe neimwe uye nokunyengetera nokutsanya, vakavakumikidza kuna She, uyo wavaivimba naye. Shure kwokupinda kwavo nomuPisidhia, vakasvika muPamufiria, uye vakati vaparidza shoko muPega, vakadzika vakaenda kuAtaria. Kubva paAtaria vakakwira chikepe vakadzokera kuAndioki, kuya kwavakanga vakumikidzwa kunyasha dzaMwari pabasa ravakanga vapedza zvino. Vakati vasvika ikoko, vakaunganidza kereke pamwe chete vakavarondedzera zvose zvakanga zvaitwa naMwari kubudikidza navo uye kuti akanga avazarurira sei mukova wokutenda kune veDzimwe Ndudzi. Uye vakagara navadzidzi ipapo kwenguva refu.