Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 13:1-3

Mabasa 13:1-3 BDSC

Mukereke yapaAndioki maiva navaprofita navadzidzisi vaiti: Bhanabhasi, Simeoni ainzi Nigeri, Rusiasi wokuSairini, Manaeni (akanga arerwa naHerodhi mubati) naSauro. Pavakanga vachinamata Ishe uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati, “Nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vabate basa randakavadanira.” Saka vakati vapedza kutsanya nokunyengetera, vakaisa maoko avo pamusoro pavo vakavatuma.