Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 11:19-21

Mabasa 11:19-21 BDSC

Zvino vaya vakanga vaparadzirwa namatambudziko nokuda kwaSitefani vakafamba vakandosvika kuFonisia, Saipurasi neAndioki, vachitaura shoko kuvaJudha bedzi. Kunyange zvakadaro, vamwe varume vaibva kuSaipurasi nokuKurini, vakaenda kuAndioki vakatanga kutaura kuvaGirikiwo, vachivataurira mashoko akanaka ezvaIshe. Ruoko rwaShe rwakanga rwuri pamusoro pavo, uye vanhu vazhinji vakatenda vakatendeukira kuna She.