Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

3 Johani 1:3-8

3 Johani 1:3-8 BDSC

Ndakafara kwazvo dzimwe hama padzakauya dzikandiudza nezvokutendeka kwako pachokwadi uye kuti unoramba uchifamba sei muchokwadi. Hapana chimwe chinhu chinondifadza kupfuura kunzwa kuti vana vangu vari kufamba muchokwadi. Mudikani, wakatendeka pane zvaunoita kuhama, kunyange vasiri vanhu vaunoziva. Vakataurira kereke nezvorudo rwako. Uchaita zvakanaka kana ukavadzosazve nenzira yakafanira pamberi paMwari. Nokuda kweZita iri vakabuda, vasingagamuchiri rubatsiro kubva kuvahedheni. Naizvozvo tinofanira kugamuchira vanhu vakadai kuti tishande pamwe chete muchokwadi.