Pakuzvidavirira kwangu kwokutanga, hapana munhu akandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kupiwa mhosva nokuda kwaizvozvo. Asi Ishe akamira neni uye akandipa simba, kuti kubudikidza neni shoko riparidzwe zvakakwana uye kuti veDzimwe Ndudzi vose varinzwe. Uye ndakarwirwa kubva pamuromo weshumba. Ishe achandirwira kubva pakurwiswa kwose kwakaipa uye achandiuyisa murugare kuumambo hwake hwokudenga. Kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni. Ndikwazisire Pirisira naAkwira neveimba yaOnesiferasi. Erastasi akasara kuKorinde, uye ndakasiya Tirofimasi paMiretasi achirwara. Ita napaunogona napo pose kuti uuye kuno chando chisati chasvika. Yubhurasi anokukwazisa, uyewo naPudhenzi, Rino, Kiraudhiyo nehama dzose. Ishe ngaave nomweya wako. Nyasha ngadzive newe.
Verenga chikamu 2 Timoti 4
Terera ku 2 Timoti 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Timoti 4:16-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo