Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 15:32-36

2 Madzimambo 15:32-36 BDSC

Mugore rechipiri raPeka mwanakomana waRemaria mambo weIsraeri, Jotamu mwanakomana waUzia mambo weJudha akatanga kutonga. Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. Zita ramai vake rainzi Jerusha, mwanasikana waZadhoki. Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Uzia. Kunyange zvakadaro, matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachibayira zvibayiro uye vachipisa zvinonhuhwira ikoko. Jotamu akavakazve Suo Rokumusoro retemberi yaJehovha. Zvino zvimwe zvakaitika pakutonga kwaJotamu, nezvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?