Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 15:23-26

2 Madzimambo 15:23-26 BDSC

Mugore ramakumi mashanu raAhazia mambo weJudha, Pekahia mwanakomana waMenahemi akava mambo weIsraeri muSamaria, akatonga kwamakore maviri. Pekahia akaita zvakaipa pamberi paJehovha. Haana kutendeuka kubva pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite. Mumwe wamakurukota ake, ainzi Peka mwanakomana waRemaria, akamumukira. Akatora varume makumi mashanu veGireadhi, akauraya Pekahia pamwe chete naArigobhi naArie, munhare yomuzinda wamambo weSamaria. Saka Peka akauraya Pekahia uye akamutevera paumambo. Zvimwe zvakaitika pakutonga kwaPekahia, nezvose zvaakaita zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri.