Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza, nokuti tinoziva kuti mumwe chete akafira vose, uye naizvozvo vose vakafa. Uye iye akafira vose, kuitira kuti vose vasazviraramira asi vararamire iye akavafira akamutswazve kubva kuvakafa. Saka kubva zvino hatitongozivi munhu namaziviro enyika. Kunyange zvedu takaziva Kristu kare nenzira iyi, hatichamuziva saizvozvo. Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva! Zvose izvi zvakabva kuna Mwari, akatiyananisa naye kubudikidza naKristu uye akatipa ushumiri hwokuyananisa: ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingaverengeri vanhu zvivi zvavo. Uye akatipa shoko rokuyananisa.
Verenga chikamu 2 VaKorinde 5
Terera ku 2 VaKorinde 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 VaKorinde 5:14-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo