Zviedzei imi pachenyu muone kana muri pakutenda; zviedzei pachenyu. Munoziva here kuti Jesu ari mukati menyu, kunze kwokutoti makakundikana? Uye ndinovimba kuti muchaona kuti hatina kukundikana. Zvino tinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuita chinhu chimwe chakaipa. Kwete kuti vanhu vaone kuti isu takakunda, asi kuti imi muite zvakarurama kunyange zvedu isu tichiita setakakundikana. Nokuti hatigoni kuita chinhu chinopikisana nechokwadi, asi chinobatsira chokwadi chete. Nokuti tinofara kana isu tichishayiwa simba asi imi muine simba; uye munyengetero wedu ndewokuti imi mukwaniswe.
Verenga chikamu 2 VaKorinde 13
Terera ku 2 VaKorinde 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 VaKorinde 13:5-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo