Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu, kukereke yaMwari iri muKorinde, pamwe chete navatsvene vose vari muAkaya yose: Nyasha norugare ngazvive kwamuri zvichibva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu. Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, ivo Baba vengoni naMwari wokunyaradza kwose, ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari.
Verenga chikamu 2 VaKorinde 1
Terera ku 2 VaKorinde 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 VaKorinde 1:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo