Ipapo Jehoshafati akamira muungano yeJudha neJerusarema patemberi yaJehovha pamberi pechivanze chitsva, uye akati: “Haiwa Jehovha, Mwari wamadzibaba edu, hamusimi here Mwari wokudenga? Munotonga umambo hwose huri panyika. Simba noukuru zviri muruoko rwenyu. Uye hapana angagona kukukundai. Haiwa Mwari wedu, hamuna here kudzinga vagari venyika ino pamberi pavanhu venyu Israeri mukaipa zvachose kuvana vaAbhurahama, shamwari yenyu? Vakararama mairi, uye vakavakira mairi imba yeZita renyu vachiti, ‘Kana dambudziko rikatiwira, ringava pfumo rokutonga kana denda, kana nzara, tichamira muuvepo hwenyu pamberi petemberi ine Zita renyu, uye tichachema kwamuri mukutambudzika kwedu uye imi muchatinzwa mugotinunura.’ “Asi zvino ava varume vabva kuAmoni, Moabhu neGomo reSeiri vane nyika yamusina kutendera Israeri kuti itore payakabva kuIjipiti. Saka vakavarega uye vakasavaparadza. Onai kuti vava kutiripa sei nokuuya kwavo kuzotidzinga munyika yamakatipa senhaka. Haiwa Mwari wedu, hamungavatongi here? Nokuti isu hatina simba rokutonga hondo huru yakadai iri kuuya kuzotirwisa. Hatizivi kuti tingaita sei, asi meso edu akatarisa kwamuri.”
Verenga chikamu 2 Makoronike 20
Terera ku 2 Makoronike 20
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Makoronike 20:5-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo