Uye Abhija akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi. Asa mwanakomana wake akamutevera kuva paumambo, uye mumazuva ake nyika yakava norugare kwamakore gumi. Asa akaita zvakanga zvakanaka uye zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake. Akabvisa aritari dzavatorwa nenzvimbo dzakakwirira, akaputsa matombo anoera uye akatema matanda aAshera. Akarayira Judha kuti itsvage Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, uye kuti vateerere mirayiro yake nemitemo yake. Akabvisa nzvimbo dzakakwirira nearitari dzezvinonhuhwira mumaguta ose muJudha, uye ushe hwakava norugare pasi pake. Akavaka maguta ane masvingo eJudha, sezvo nyika yaiva norugare. Hapana akarwa naye panguva iyoyo nokuti Jehovha vakanga vamupa zororo. Akati kuJudha, “Ngativakei maguta aya, uye tiise masvingo okuapoteredza, ane shongwe, masuo namazariro. Nyika ichiri yedu, nokuti takatsvaga Jehovha Mwari wedu; takamutsvaga uye akatipa zororo kumativi ose.” Saka vakavaka uye vakabudirira. Asa aiva nehondo yaisvika zviuru mazana matatu kubva kuJudha, vakanga vakapakata nhoo huru namapfumo, uye vamwe zviuru mazana maviri namakumi masere kubva kuBhenjamini, vakanga vakapakata nhoo diki neuta. Ava vose vaiva varwi vakashinga.
Verenga chikamu 2 Makoronike 14
Terera ku 2 Makoronike 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Makoronike 14:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo