Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Makoronike 14:1-5

2 Makoronike 14:1-5 BDSC

Uye Abhija akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi. Asa mwanakomana wake akamutevera kuva paumambo, uye mumazuva ake nyika yakava norugare kwamakore gumi. Asa akaita zvakanga zvakanaka uye zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake. Akabvisa aritari dzavatorwa nenzvimbo dzakakwirira, akaputsa matombo anoera uye akatema matanda aAshera. Akarayira Judha kuti itsvage Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, uye kuti vateerere mirayiro yake nemitemo yake. Akabvisa nzvimbo dzakakwirira nearitari dzezvinonhuhwira mumaguta ose muJudha, uye ushe hwakava norugare pasi pake.