Rayira vapfumi panyika ino kuti varege kuzvikudza kana kuisa tariro yavo mupfuma, isingagari, asi kuti vaise tariro yavo kuna Mwari, anotipa zvose zvizhinji kuti tifare nazvo. Varayire kuti vaite zvakanaka, uye kuti vafarire kupa vamwe uye nokugoverana. Vachazviunganidzira pfuma senheyo yakasimba kunguva dzinouya, kuti vagobatisisa upenyu hunova upenyu kwechokwadi. Timoti, chengeta icho chawakapiwa. Furatira zvokutaura mashoko asina umwari nepfungwa dzinopikisa, dzezvinonzi pakutaura kwenhema zivo, idzo dzakapupurwa navamwe uye nokudaro vakatsauka kubva pakutenda.
Verenga chikamu 1 Timoti 6
Terera ku 1 Timoti 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Timoti 6:17-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo