1 VaTesaronika 4:3-7
1 VaTesaronika 4:3-7 BDSC
Kuda kwaMwari kuti muitwe vatsvene: kuti murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu adzidze kudzora muviri wake nenzira tsvene uye inokudzwa, asingaiti mukuchiva sezvinoitwa navahedheni, vasingazivi Mwari; uye kuti pane izvozvi parege kuva nomunhu anotadzira hama yake kana kumutorera chinhu. Ishe acharanga vanhu nokuda kwezvivi zvakadaro zvose, sezvatakakuudzai kare uye tikakuyambirai. Nokuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuti tirarame upenyu hutsvene.

