Jehovha akandirwira pagumbo reshumba nerebere, ndiye achandirwira muruoko rwomuFiristia uyu.” Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda, uye Jehovha ave newe.” Ipapo Sauro akashongedza Dhavhidhi nenguo dzake. Akamupfekedza jasi rokurwa uye nguwani yendarira pamusoro wake. Dhavhidhi akasungira munondo wake pamusoro penguo akaedza kufamba-famba nadzo akakundikana, nokuti akanga asina kudzizivira. Akati kuna Sauro, “Handingaendi ndakapfeka idzi, nokuti handina kudzijaira.” Saka akadzibvisa. Ipapo akabata tsvimbo yake muruoko rwake, akasarudza hurungudo shanu murukova, akadziisa munhava yake yomufudzi, uye ane chimviriri muruoko rwake, akaswedera kumuFiristia.
Verenga chikamu 1 Samueri 17
Terera ku 1 Samueri 17
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Samueri 17:37-40
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo