Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 10:25-27

1 Samueri 10:25-27 BDSC

Samueri akatsanangurira vanhu mitemo youmambo uhu. Akainyora pasi mubhuku akariisa pamberi paJehovha. Ipapo Samueri akaudza vanhu kuti vaende mumwe nomumwe kumba kwake. Sauro akaendawo kumba kwake kuGibhea, achiperekedzwa navarume voumhare vane mweya yakanga yabatwa naMwari. Asi dzimwe nhubu dzakati, “Murume uyu angatiponesa sei?” Vakamuzvidza vakasamuvigira zvipo. Asi Sauro akaramba anyerere.