Hana akapindura akati, “Kwete, ishe wangu, ndiri mukadzi ane shungu pamweya. Ndanga ndisinganwi waini kana doro; ndanga ndichidurura mwoyo wangu kuna Jehovha. Musatora muranda wenyu somukadzi akaipa; ndanga ndichinyengetera pano zvichibva mukushushikana nokutambudzika kwangu kukuru.” Eri akapindura achiti, “Enda norugare, uye Mwari waIsraeri ngaakupe zvawakumbira kwaari.” Akati, “Murandakadzi wenyu ngaawane nyasha pamberi penyu.” Ipapo akaenda hake akandodya, uye uso hwake hahuna kuzoramba hwakasuruvara.
Verenga chikamu 1 Samueri 1
Terera ku 1 Samueri 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Samueri 1:15-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo