Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Petro 3:9-16

1 Petro 3:9-16 BDSC

Regai kudzorera chakaipa nechakaipa kana kutuka nokutuka, asi namaropafadzo, nokuti ndizvo zvamakadanirwa izvozvo kuitira kuti mugare nhaka yokuropafadzwa. Nokuti, “Uyo anoda upenyu kuti agoona mazuva akanaka anofanira kudzora rurimi rwake pane zvakaipa, nemiromo yake pakutaura zvinonyengera. Anofanira kudzoka pane zvakaipa agoita zvakanaka; anofanira kutsvaka rugare agorutevera. Nokuti meso aShe ari pamusoro pavakarurama, uye nzeve dzake dzakateerera kumunyengetero wavo, asi chiso chaShe chakanangana navaya vanoita zvakaipa.” Ndianiko achakuitirai zvakaipa kana muchishingairira kuita zvakanaka? Asi kunyange dai mungatambudzika nokuda kwezvakanaka, makaropafadzwa imi. “Murege kutya zvavanotya ivo; musavhundutswa.” Asi mumwoyo menyu tsaurai Kristu saIshe. Mugare makazvigadzirira nguva dzose kupindura vose vanokubvunzai pamusoro petariro yamunayo. Asi muite izvozvo nounyoro uye nokukudza, muchichengeta hana yakachena, kuitira kuti vaya vanotaura zvakaipa pamusoro pamafambiro enyu akanaka muna Kristu vanyadziswe pakureva kwavo.