Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Petro 2:22-25

1 Petro 2:22-25 BDSC

“Haana kutadza, uye kunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make.” Pavakamutuka, haana kudzorera; paakatambudzika, haana kutyisidzira. Asi, akazviisa kuna iye anotonga nokururama. Iye pachake akatakura zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuitira kuti isu tife kuzvivi tigorarama zvakarurama; namavanga ake imi makaporeswa. Nokuti imi makanga makaita samakwai akarasika, asi zvino madzokera kuMufudzi noMutariri wemweya yenyu.