Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 6:1-6

1 Madzimambo 6:1-6 BDSC

Zvino mugore ramazana mana namakumi masere mushure mokubuda kwavaIsraeri munyika yeIjipiti, mugore rechina rokubata ushe kwaSoromoni pamusoro peIsraeri, mumwedzi waZivhi, unova mwedzi wechipiri, akatanga kuvaka temberi yaJehovha. Temberi yakavakirwa Jehovha naMambo Soromoni yakanga yakareba makubhiti makumi matanhatu, ina makubhiti makumi maviri paupamhi hwayo, ina makubhiti makumi matatu pakukwirira kwayo kumusoro. Biravira raiva mberi kweimba huru yetemberi rakawedzera upamhi hwetemberi hwamakubhiti makumi maviri uye rakanga rakapfuurira mberi kwetemberi namakubhiti gumi. Akaitira temberi iyi mawindo ane upamhi hudiki. Pamadziro eimba huru neeimba tsvene yomukati akavaka chivakwa chakapoteredza imba, chaiva nedzimwe dzimba kumativi. Imba yapasi yaiva noupamhi hwamakubhiti mashanu, imba yapakati yaiva noupamhi hwamakubhiti matanhatu uye imba yechitatu yaiva namakubhiti manomwe. Nechokunze akavaka zvitakuriso kumativi kuti matanda arege kupinda mukati mamadziro etemberi.