Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 17:8-10

1 Madzimambo 17:8-10 BDSC

Zvino shoko raJehovha rakauya kwaari richiti, “Simuka izvozvi uende kuZarefati kunyika yeSidhoni undogarako. Ndarayira chirikadzi iri munzvimbo iyoyo kuti ikupe zvokudya.” Naizvozvo akaenda kuZarefati. Paakasvika pasuo reguta, chirikadzi yakanga iripo ichitsvaga huni. Akamudana akamubvunza akati, “Mungandivigirawo mvura shoma shoma mumukombe here kuti ndinwe?”