Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 17:3-7

1 Madzimambo 17:3-7 BDSC

“Ibva pano, nanga kumabvazuva undovanda paRukova rweKeriti, kumabvazuva kweJorodhani. Uchanwa mvura yorukova urwu, uye ndarayira makunguo kuti akupe zvokudya ikoko.” Saka akaita zvaakanga audzwa naJehovha. Akaenda kuRukova rweKeriti, kumabvazuva kweJorodhani, akagarako. Makunguo akamuvigira chingwa nenyama mangwanani, nechingwa nenyama manheru, uye akanwa mvura murukova. Mushure menguva yakati, rukova rwakapwa nokuti mvura yakanga isinganayi panyika.