Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 9:24-27

1 VaKorinde 9:24-27 BDSC

Hamuzivi here kuti panhangemutange vanhu vose vanomhanya, asi mumwe chete ndiye anopiwa mubayiro? Mhanyai zvokuti mugowana mubayiro. Vanhu vose vanopinda mumutambo vanozvirovedza zvakaoma. Vanoita izvi kuti vawane korona isingagari; asi isu tinozviita kuti tiwane korona inogara nokusingaperi. Naizvozvo handimhanyi somunhu asina chinangwa; handirwi somunhu anorova mhepo. Kwete, ndinorovedzera muviri wangu uye ndinouita muranda wangu kuitira kuti mushure mokunge ndapedza kuparidzira vamwe, ini pachangu ndirege kushayiwa mubayiro.