Asi nokuda kwoupombwe, murume mumwe nomumwe ngaave nomukadzi wake, nomukadzi mumwe nomumwe ngaave nomurume wake. Murume ngaape mukadzi wake zvakafanira, uye nomukadzi adarowo kumurume wake. Muviri womukadzi hauzi wake oga asi kuti ndewomurume wakewo. Zvimwe chetezvo, muviri womurume hauzi wake oga asi kuti ndewomukadzi wakewo. Musanyimana, kunze kwokunge matenderana uye kwenguva duku, kuti mumbova nenguva yokunyengetera. Mushure mezvo mosanganazve kuitira kuti Satani arege kukuedzai pakusazvidzora kwenyu.
Verenga chikamu 1 VaKorinde 7
Terera ku 1 VaKorinde 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaKorinde 7:2-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo