Teererai, ndinokutaurirai chakavanzika: Hatingafi tose, asi tose tichashandurwa, pakarepo, sokubwaira kweziso, pahwamanda yokupedzisira. Nokuti hwamanda icharira, vakafa vachamutswa mukusaparara, uye tichashandurwa. Nokuti chinoparara chinofanira kufuka kusaparara, uye chinofa chinofanira kufuka kusafa. Kana chinoparara chikafuka kusaparara, uye chinofa chikafuka kusafa, ipapo tsumo yakanyorwa ichazadziswa yokuti: “Rufu rwakamedzwa nokukunda.” “Kuripiko kukunda kwako iwe rufu? Rwuripiko rumborera rwako, iwe rufu?” Rumborera rwerufu ndicho chivi, uye simba rechivi ndiwo murayiro. Asi Mwari ngaavongwe! Anotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu. Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba. Pashayiwe chinhu chingakuzungunusai. Muchishandira Ishe zvikuru nguva dzose, nokuti munoziva kuti kubata basa kwenyu muna She hakungavi pasina.
Verenga chikamu 1 VaKorinde 15
Terera ku 1 VaKorinde 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaKorinde 15:51-58
3 Mazuva
Kuva nehunhu wehuMwari atizviite toga kana kuti kubhadharwa nekuda kwemabasa. Izvi zvinoitwa bedzi naMwari paanenge achitishanda kubva mumunhu wemukati. Iyi dzidziso yeunhu haichanyanyotaurwa nezvayo asi ine zvainoita zvakawanda muchiKristu chedu. Jesu akava muenzaniso wehupenyu uhu akakwanisa kuita kuti utapukire muvadzidzi. Izvi zvakaonekwa paakaenda kudenga kuti vanhu vakazoti vachiona vadzidzi vakavatumidza kuti ma Kristu nekuti vaiona unhu waKristu mavari. Chidzidzo chino chichabata nyaya iyi kwete muhudzamu hwayo.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo