Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 15:19-26

1 VaKorinde 15:19-26 BDSC

Kana tine tariro muna Kristu nokuda kwoupenyu huno chete, tinonzwisa urombo kupfuura vanhu vose. Asi, zvirokwazvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavete. Nokuti sezvo rufu rwakauya kubudikidza nomunhu mumwe, kumuka kuvakafa kwakauyawo kubudikidza nomunhu mumwe. Nokuti, sokufa kwakaita vanhu vose muna Adhamu, naizvozvowo muna Kristu vose vachaitwa vapenyu. Asi mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga; ipapo paanouya, tevere vose vanova vake. Ipapo magumo achasvika, panguva yaachazopa umambo kuna Mwari Baba mushure mokunge aparadza ushe hwose, ukuru hwose nesimba rose. Nokuti anofanira kubata ushe kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu.