Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 15:16-21

1 VaKorinde 15:16-21 BDSC

Nokuti kana vakafa vasingamutswi, saizvozvowo Kristu haana kumutswa kuvakafa. Uye kana Kristu asina kumutswa, kutenda hakubatsiri; muchiri muzvivi zvenyu. Naizvozvowo vose vakafa muna Kristu vakatorasikawo. Kana tine tariro muna Kristu nokuda kwoupenyu huno chete, tinonzwisa urombo kupfuura vanhu vose. Asi, zvirokwazvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavete. Nokuti sezvo rufu rwakauya kubudikidza nomunhu mumwe, kumuka kuvakafa kwakauyawo kubudikidza nomunhu mumwe.