Nokuti kana vakafa vasingamutswi, saizvozvowo Kristu haana kumutswa kuvakafa. Uye kana Kristu asina kumutswa, kutenda hakubatsiri; muchiri muzvivi zvenyu. Naizvozvowo vose vakafa muna Kristu vakatorasikawo. Kana tine tariro muna Kristu nokuda kwoupenyu huno chete, tinonzwisa urombo kupfuura vanhu vose. Asi, zvirokwazvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavete. Nokuti sezvo rufu rwakauya kubudikidza nomunhu mumwe, kumuka kuvakafa kwakauyawo kubudikidza nomunhu mumwe.
Verenga chikamu 1 VaKorinde 15
Terera ku 1 VaKorinde 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaKorinde 15:16-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo