Zvino muviri hauna kuumbwa nomutezo mumwe, asi mizhinji. Kana rutsoka rukati, “Nokuti handisi ruoko, saka handisi womuviri,” harungaregi kuva chikamu chomuviri nokuda kwechikonzero ichocho. Uye kana nenzeve ikati, “Nokuti handisi ziso, saka handisi chikamu chomuviri,” haringaregi kuva chikamu chomuviri nokuda kwechikonzero ichocho. Kana kuti dai muviri wose waiva ziso, kunzwa kwaizovepiko? Kana kuti dai muviri wose waive nzeve, ko, kunhuhwidza kwaizovepiko? Asi zvino Mwari akaisa mitezo pamuviri, mumwe nomumwe wayo, sezvaakada kuti ive. Kana dai yose waiva mutezo mumwe, ko, muviri waizovepiko? Sezvazviri, kune mitezo mizhinji asi muviri mumwe. Ziso haringati kuruoko, “Handinei newe!” Uye musoro haungati kurutsoka, “Handinei newe!” Asi kutoti mitezo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa, uye mitezo yatinofunga kuti haikudzwi ndiyo yatinokudza kwazvo, asi mitezo yakanaka haidi kushongedzwa. Asi Mwari akabatanidza mitezo yomuviri uye akapa kukudzwa kukuru kumitezo iya isingakudzwi, kuitira kuti parege kuva nokupesana pamuviri, asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana.
Verenga chikamu 1 VaKorinde 12
Terera ku 1 VaKorinde 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaKorinde 12:14-25
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo