Pane zvakarayirwa zvinotevera handikurumbidzei, nokuti hamuunganiri zvakanaka asi zvakaipa. Chokutanga, ndakanzwa kuti pamunoungana pamwe chete sekereke, pane kupesana pakati penyu, uye ndingangozvitenda. Nokuti dzidziso dzakatsaukana dzinofanira kuva pakati penyu, kuti zvionekwe kuti vakatendeka kuna Mwari ndavapi. Pamunoungana, hachisi chirariro chaShe chamunodya, nokuti kana modya, mumwe nomumwe wenyu anongotanga kudya asingamiriri vamwe. Mumwe anosara ane nzara, mumwewo anodhakwa. Ko, hamuna dzimba kwamungadyira nokunwira here? Kana kuti munozvidza kereke yaMwari nokunyadzisa vasina chinhu here? Zvino ndichatiiko kwamuri? Ndingakurumbidzai nokuda kwaizvozvi here? Zvirokwazvo kwete! Nokuti ndakagamuchira kubva kuna She icho chandakakupai kuti Ishe Jesu, usiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa, uye mushure mokunge avonga, akachimedura akati, “Uyu ndiwo muviri wangu, unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.” Saizvozvowo, mushure mechirariro akatora mukombe, achiti, “Mukombe uyu ndiwo sungano itsva muropa rangu; itai izvi nguva dzose kana muchiunwa, muchindirangarira.” Nokuti nguva dzose kana muchidya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe kusvikira achidzoka.
Verenga chikamu 1 VaKorinde 11
Terera ku 1 VaKorinde 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaKorinde 11:17-26
13 Mazuva
Pakupupura Kristu saIshe, hupenyu hwedu hunovandudzwa nekusingapere - heuno mubvunzo; rutendo urwu tingarudiridzira nenzira ipi? Kubvira kumavambo ekereke yekutanga zvichenda mberi, vatenderi vane hwanzvo hwetsika dzomweya nembiru dzechokwadi dzavanobatirira padziri. Muchidzidzo chino, unotevedza ndima gumi nenhatu dzinogovera tsindidzo dzehupenyu semuteveri waJesu. Zviwanire hwaro hwakasimba hwechitendero mudzidziso dzaKristu, pamwe nedzevaapostora vake.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo