Kunyange zvakadaro, Mwari haana kufadzwa navazhinji vavo; mitumbi yavo yakaparadzirwa murenje. Zvino, zvinhu izvi zvakanga zviri semienzaniso kwatiri, kuti tirege kuisa mwoyo yedu pazvinhu zvakaipa sezvavakaita. Musanamata zvifananidzo, sezvakaita vamwe vavo; sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Vanhu vakagara pasi vakadya, vakanwa, uye vakasimuka kuti vatambe.” Hatifaniri kuita upombwe, sezvakaita vamwe vavo, uye vakafa zviuru makumi maviri nezvitatu muzuva rimwe chete. Hatifaniri kuedza Ishe, sezvakaita vamwe vavo, uye vakaurayiwa nenyoka. Uye murege kugununʼuna sezvakaita vamwe vavo, uye vakazourayiwa nomutumwa wokuparadza. Zvinhu izvi zvakaitika kwavari semienzaniso kwatiri uye zvikanyorwa kuti zvive yambiro kwatiri, iyesu takasvikirwa nokuzadziswa kwokuguma kwenyika.
Verenga chikamu 1 VaKorinde 10
Terera ku 1 VaKorinde 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaKorinde 10:5-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo