Nokuti hama dzangu, handidi kuti murege kuziva kuti madzibaba edu ose akanga ari pasi pegore uye kuti vose vakayambuka gungwa. Vose vakabhabhatidzwa muna Mozisi mugore nomugungwa. Vose vakadya zvokudya zvimwe chete zvoMweya uye vose vakanwa zvokunwa zvimwe chete zvomweya; nokuti vakanwa kubva padombo romweya rakafamba navo, uye dombo iri raiva Kristu. Kunyange zvakadaro, Mwari haana kufadzwa navazhinji vavo; mitumbi yavo yakaparadzirwa murenje. Zvino, zvinhu izvi zvakanga zviri semienzaniso kwatiri, kuti tirege kuisa mwoyo yedu pazvinhu zvakaipa sezvavakaita. Musanamata zvifananidzo, sezvakaita vamwe vavo; sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Vanhu vakagara pasi vakadya, vakanwa, uye vakasimuka kuti vatambe.” Hatifaniri kuita upombwe, sezvakaita vamwe vavo, uye vakafa zviuru makumi maviri nezvitatu muzuva rimwe chete. Hatifaniri kuedza Ishe, sezvakaita vamwe vavo, uye vakaurayiwa nenyoka. Uye murege kugununʼuna sezvakaita vamwe vavo, uye vakazourayiwa nomutumwa wokuparadza. Zvinhu izvi zvakaitika kwavari semienzaniso kwatiri uye zvikanyorwa kuti zvive yambiro kwatiri, iyesu takasvikirwa nokuzadziswa kwokuguma kwenyika. Saka, kana uchifunga kuti wakamira zvakasimba, chenjera kuti urege kuwa! Hakuna muedzo wakakuwirai imi, kunze kwaiwo unowira munhu wose. Uye Mwari akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo. Asi kana muchiedzwa, iye achakupai nzira yokubuda nayo kuti mugone kutsunga pairi.
Verenga chikamu 1 VaKorinde 10
Terera ku 1 VaKorinde 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaKorinde 10:1-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo