Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvanga zvichigomera pamwechete mukurwadziwa kusvikira iye zvino. Hazvisi zvisikwa zvoga asi kana iyesuwo tine zvipo zvokutanga zvaMweya, tinogomera mukati medu, tichimirira kuti titorwe savana kuri iko kununurwa kwemiviri yedu. Nokuti takaponeswa nechitarisiro ichocho. Chinhu chaunotarisira kana chichionekwa zvokutarisira hapana nokuti ndiani angatarisire chinhu chaarikuona.
Verenga chikamu Varoma 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 8:22-24
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo