VaRoma 8:22-24
VaRoma 8:22-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera sokurwadza kwokuzvara mwana kusvikira panguva ino. Kwete izvozvo chete, asi nesuwo, vane zvibereko zvokutanga zvoMweya, tinogomera mukati medu tichimirira zvikuru kuitwa kwedu vana, iko kudzikinurwa kwemiviri yedu. Nokuti mutariro iyi takaponeswa. Asi tariro inoonekwa haizi tariro zvachose. Ndiani anotarisira chaanacho kare?
VaRoma 8:22-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwechete kusvikira zvino. Zvisati zviri izvo bedzi, asi nesuo, kunyange tine zvibereko zvokutanga zvoMweya, nesu timene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa kwedu vana, ndiko kudzikinurwa kwomuviri wedu. Nokuti takaponeswa netariro; asi tariro inoonekwa, haizi tariro; nokuti ndiani anotarira chaanoona?
VaRoma 8:22-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvanga zvichigomera pamwechete mukurwadziwa kusvikira iye zvino. Hazvisi zvisikwa zvoga asi kana iyesuwo tine zvipo zvokutanga zvaMweya, tinogomera mukati medu, tichimirira kuti titorwe savana kuri iko kununurwa kwemiviri yedu. Nokuti takaponeswa nechitarisiro ichocho. Chinhu chaunotarisira kana chichionekwa zvokutarisira hapana nokuti ndiani angatarisire chinhu chaarikuona.
VaRoma 8:22-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti tinoziʋa kuti ɀisikwa ɀose ɀinogomera nokurwadziwa pamŋe cete kuȿikira ɀino. Ɀisati ɀiri iɀo ɓedzi, asi nesu ʋo, kunyaŋge tineɀiɓereko ɀokutaŋga ɀoMŋeya, nesu timene tinogomera mukati meɗu, ticimirira kuitwa kweɗu ʋana, ndiko kudzikinurwa kwomuʋiri weɗu. Nokuti takaponeswa netariro; asi tariro inoʋonekwa, haizi tariro; nokuti ndiani unotarira caanoʋona?
VaRoma 8:22-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)