Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakaratidzwa 9:13-21

Zvakaratidzwa 9:13-21 SCLB

Mutumwa wechitanhatu akaridza bhosvo rake ndikanzwa izwi robva kune zvinenge nyanga zvina zviya zvapaatari yendarama iri pamberi paMwari richiti kumutumwa wechitanhatu uya ainge ane bhosvo, “Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru rwaYufuratesi.” Vatumwa vaya vana vakasunungurwa vakanga vakamisirwa nguva nezuva nemwedzi negore rokuuraya naro chikamu chechitatu chavanhu. Varwi vamabhiza vaiva gumi ramazana rakapetwa kaviri rigopetwazve kanosvika gumi ramazana; ndakanzwa uwandu hwavo. Uku ndiko kuona kwandakaita mabhiza iwayo muchiratidzo changu. Vatasvi ivavo vakanga vakapfeka mademautare okuzvidzivirira nawo muhondo oruvara rwomoto nesafaya nesarufa. Misoro yamabhiza iwayo yainge misoro yeshumba, mumiromo yawo muchitogoka moto noutsi nesarufa. Chikamu chechitatu chavanhu chakauraiwa nepfumvu idzodzi nhatu dzomoto noutsi nesarufa zvichibva mumiromo yawo nokuti simba ramabhiza iwayo raiva mumiromo yawo nomumiswe yawo. Miswe yawo yakanga yakaita senyoka ine misoro inokuvadza. Vamwe vanhu vose vakasara vaya, vasina kuuraiwa namatenda iwayo havana kuregera rubatabata rwavo rwuya rwokunamata mweya yakaipa nokunamata zvifananidzo zvendarama nezvesirivha nezvendarira nezvamatombo nezvemiti zvisingakwanisi kuona kana kunzwa kana kufamba. Havana kuregera humhondi hwavo nouroyi hwavo noupombwe hwavo kana umbavha hwavo.